Mondadori Store

Trova Mondadori Store

Benvenuto
Accedi o registrati

lista preferiti

Per utilizzare la funzione prodotti desiderati devi accedere o registrarti

Vai al carrello
 prodotti nel carrello

Totale  articoli

0,00 € IVA Inclusa

Zvinotevedzwa Pakuroora Kana Kuroorwa

Athanasio Dzadagu
pubblicato da Athanasio Dzadagu

Prezzo online:
0,00

Zviri muchinyorwa chino
Chinyorwa chino chakabva pamibvunzo yaibvunzwa munyori maererano nekuroora, kuroorwa kana kuroorerwa, paainge achashanda semupristi weSangano reKatorike. Mibvunzo iyi yaibva zvose kune vechikuru nevechidiki, vachida kuziva kuti zvinotevedzwa ndhezvipi. Nokudaro, ichi chinyorwa chine chinangwa chekurerutsira avo vanenge vogadzirira kuroora, kuroorwa kana kuroorerwa, kuti vazive kuti zvekugadzirira zvacho ndhezvipi, uye matanho avanotevedza ndheapi. Nekuda kwezvizvi, mukati mechinyorwa chino, munyori anobata nyaya yekuti mukomana kana musikana anotanga kuzivisa ani kuti ave kuroora kana kuroorwa, vaziviswawo ava vachizozivisa ani. Munyori anobatazve nyaya huru yekuti zuva rekuroora kana kuroorwa rinorongwa sei, uye zvinobviswa nemukomana seroora ndhezvipi, munyori achipa tsanangudzo yekuti zvibviswa izvi zvinorevei. Izvi zvese zvinonangana nekubatsirawo zvakare avo vanenge vachiroorerwa, vanowanawo gwara rekutevedza pakuronga chiitiko ichi nenongedzo yekuti zvavanoreva kumukuwasha ndhezvipi. Muchinyorwa chino muverengi anowana mutsauko pakati pezvaibviswa kare nezvinobviswa mukore wanhasi pakuroora. Nyaya yekuroora kana kuroorwa inobata iyo yemuchato wechirungu newechiShona, kufanana kana kusiyana kwazvo. Achti muchato wechirungu munyori haasi kungoreva kuchata kunoitwa pakati pevarungu, asi nyangwe pakati pevanhu vechidhaka vega, vachitevedza nzira dzechirungu. Chaanoti muchato wechiShona ndhiko kuroora kana kuroorwa, unova muchato usingaitwe nezuva rimwechete sewechirungu, nekuti une zvinhanho zvine chitsama zvinosanganisira kubviswa kweroora, kutarwa kwemuroora, kupururudzirwa nekuperekwa kwemuroora, kusungira, nekutara mwana. Munyori anobatazve nyaya yemutsauko pamaitiro pakati pematunhu, pazvibviswa. Anobatazve nyaya yeramangwana rekuroora kana kuroorwa, maererano nekusanduka kuri kuita zvinhu. Zvino kana varoorana vapedza zvirango zvavo, chinotevera kugara vese. Asi zvinozivikanwa kuti dzimwe dzimba dzine kusawirirana pakati pemukadzi nemurume, dzimwe dzichitoparara. Nokudaro chinyorwa ichi chinozopedzisa nekukurukura izvo zvinobatsira kuti ivo varoorana vagarisane zvakanaka, nekupenengurazve zvinokanganisa kugarisana kwavo. Nechinyorwa chino, nyangwe vagara varivanoziva kuti vanofamba nepapi pakurongera kuroora, kuroorwa kana kuroorerwa, vave nepavanogonawo kuti kune abvunza "enda undoverenga pekuti". Asi chinonyanya kukoshera vaye vechidiki nevechikuru kunyanya vari kunze kweZimbabwe, vanenge vogadzirira kundoroora, kuroorwa kana kuroorerwa asi vari kure nehama dzingavarayire kuti vanozvifambisa sei.

Dettagli down

Generi Salute Benessere Self Help » Self Help

Editore Athanasio Dzadagu

Formato Ebook (senza DRM)

Pubblicato 07/07/2017

Lingua Shona

EAN-13 9781370916207

0 recensioni dei lettori  media voto 0  su  5

Scrivi una recensione per "Zvinotevedzwa Pakuroora Kana Kuroorwa"

Zvinotevedzwa Pakuroora Kana Kuroorwa
 

Accedi o Registrati  per aggiungere una recensione

usa questo box per dare una valutazione all'articolo: leggi le linee guida
torna su Torna in cima